Migwagwa yoshungurudza kufamba muKwekwe


04 Feb 24

Click here to watch video

Migwagwa mizhinji mumisha inogara weruzhinji muguta reKwekwe haichafambiki nekuda kwemakomba ,yatyairi voti motokari dzavo dzavekugara dzichichifa.

Migwagwa inoshandiswa zvikuru neveruzhinji hayichafambike nokuda kwemakomba ayo akakonzerwa nemvura yakanaya .

Mumusha weMbizo ,mugwagwa unonzi Maunganidze wanyanya kunyangara ,zvikuru kutangira kusection 19 kudarika nepamharadzano yenzvimbo yemabhizimusi yeMbizo 4 kusvikira painobata mugwagwa wa railway avenue.

MuMsasa Park hamuna chero mugwagwa unganzi unofambika sezvo yangova migero nemakomba chete

Musha uyu wave kuita senzvimbo yekumaruwa dzisinga nyanyi kutarisirwa. Makare zvaizivikanwa kuti kwaigara shoroma ,asi iye zvino hapachina mutsauko nemisha inogara veruzhinji yeMbizo kana Amaveni.

Vamwe vagari voti havachina tarisiro , asi kwangove kushanda nezviripo

Kanzuru yokurudzirwa kuti vatambanudze mabasa avo ekugadzira migwagwa inoshandiswa neveruzhinji zuva nezuva kuitira kuti varerukirwe mukufamba.